25 Jan 24
VaNelson Chamisa avo vakakwikwidza musarudzo dzadarika vari mutungamiri webato reCCC vazivisa kuti ivo havasisineyi nechokuita nebato iri.
Mutsamba yavo yavanyora padandemutande re X ,vazivisa ivo kuti havasisineyi nechokuita nebato iri , uyewo vachazivisa dzimwe nhanho dzavachatora nekufamba kwenguva.
Izvi zvasiya vazhinji vasina romuromo zvakare paine mibvunzo yokuti ko avo vakakwikwidza musarudzo vachitsigira vaChamisa vanenge votungamirwa nani.