Chamisa anoti haasisiri weCCC


25 Jan 24

Click here to watch video

VaNelson Chamisa avo vakakwikwidza musarudzo dzadarika vari mutungamiri webato reCCC vazivisa kuti ivo havasisineyi nechokuita nebato iri.

Mutsamba yavo yavanyora padandemutande re X ,vazivisa ivo kuti havasisineyi nechokuita nebato iri , uyewo vachazivisa dzimwe nhanho dzavachatora nekufamba kwenguva.

Izvi zvasiya vazhinji vasina romuromo zvakare paine mibvunzo yokuti ko avo vakakwikwidza musarudzo vachitsigira vaChamisa vanenge votungamirwa nani.